Jeremiah 17:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacabva kumaguta aJuda, napanɀimbo dzakapoteredza Jerusarema, napanyika yaBenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutiʋi rwezasi, ʋaciʋuya neɀipiriso ɀinopiswa, neɀiɓayiro, neɀipiriso ɀoʋupfu, neɀinonhuwira, ʋaciʋuya neɀokuʋoŋga naɀo kuimba yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vachakurumuka vachibva kumaguta okwaJudha nenzvimbo dzomunharaunda meguta reJerusaremu vachibvawo kunyika yokwaBhenjamini nokunyika yoKumanhika nokunyika yamakomo nokuNegevhu vachiuya nemipiro yokupisa nezvibayiro nemipiro youpfu hwembesanwa norusenzi vachiuyawo nemipiro yokutenda kumba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibayiro, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuwira, vachiuya nezvokuwonga nazvo kuimba yaJehovha.
Shona 2009?
"Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibayiro, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuhwira, vachiuya nezvokuvonga nazvo kuimba yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibairo, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuwira, vachiuya nezvokuwonga nazvo kuimba yaJehovha.