Jeremiah 18:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, taura naʋanhu ʋaJuda naʋagere Jerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinokufuŋgirai ɀakaipa, ndinoraŋgana mano akaipa pamsoro penyu; ɀino dzokai mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namaɓasa enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvino uti kuvanhu veJudha naavo vanogara muJerusarema, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai! ndiri kugadzirira njodzi uye ndiri kuronga urongwa hwakaipa pamusoro penyu. Saka dzokai mubve panzira dzenyu dzakaipa, mumwe nomumwe wenyu, uye mushandure nzira dzenyu namaitiro enyu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvino wochitaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, ndiri kukurongerai nhamo, ndiri kukurukirai mazano okukutsvatai. Pindukai, munhu wose akande pasi nzira dzake dzakaipa mugadziridze mafambiro enyu namaitiro enyu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, ‘Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.’
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, `Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, ‘Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.’