Jeremiah 18:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakandikaŋganwa, ʋakapisira ʋamŋari ʋenhema ɀinonhuwira; iʋo ʋakagumbuswa panzira dzaʋo, pamakwara akare‐kare, kuti ʋafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina‐kugadzirwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, vanhu vangu vakandikanganwa; vanopisira zvinonhuwira kuzvifananidzo zvisina maturo, izvo zvakaita kuti vagumburwe munzira dzavo, uye napamakwara ekare kare. Vakavaita kuti vafambe mumakwara akatsauka nomumigwagwa isina kugadzirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi vanhu vangu vandikanganwa. Vanopisira rusenzi kuna vamwari vasirivo vanogumburwa munzira dzawo, nzira dzakare vakapinda mutwunzirawo zvatwo kwete mumigwagwa mikuru
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vanhu vangu vakandikanganwa, vakapisira vamwari venhema zvinonhuwira; ivo vakagumbuswa panzira dzavo, pamakwara akare-kare, kuti vafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina kugadzirwa.
Shona 2009?
nokuti vanhu vangu vakandikangamwa, vakapisira vamwari venhema zvinonhuhwira; ivo vakagumbuswa panzira dzavo, pamakwara akare-kare, kuti vafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina kugadzirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vanhu vangu vakandikanganwa, vakapisira vamwari venhema zvinonhuwira; ivo vakagumbuswa panzira dzavo, pamakwara akare–kare, kuti vafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina kugadzirwa.