Jeremiah 18:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi Jehova munoziʋa mano aʋo ose aʋakaɗa kundiʋuraya nawo; musaʋakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo, kana kudzima ɀiʋi ɀaʋo pamberi penyu; asi ŋgaʋawisirwe pasi pamberi penyu; muʋaitire ɀamunoɗa neŋguʋa yokutsamŋa kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi munoziva, imi Jehovha, rangano dzavo dzose dzokundiuraya. Musavakanganwira mhaka dzavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu. Ngavawisirwe pasi pamberi penyu, muvarove panguva yokutsamwa kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi Tenzi munoziva bangano ravo rokuda kundiuraya. Musavaregerere uipi hwavo kana kubvisa chitadzo chavo pameso penyu. Vadzadzarisei pamberi penyu makashatirwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi imi Jehovha munoziva mano avo ose avakada kundiuraya nawo; musavakanganwira zvakaipa zvavo, kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu; asi ngavawisirwe pasi pamberi penyu; muvaitire zvamunoda nenguva yokutsamwa kwenyu.”
Shona 2009?
Asi imwi Jehovha munoziva mano avo ose avakada kundiuraya nawo; musavakangamwira zvakaipa zvavo, kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu; asi ngavawisirwe pasi pamberi penyu; muvaitire zvamunoda nenguva yokutsamwa kwenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Asi imi Jehovha munoziva mano avo ose avakada kundiuraya nawo; musavakanganwira zvakaipa zvavo, kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu; asi ngavawisirwe pasi pamberi penyu; muvaitire zvamunoda nenguva yokutsamwa kwenyu.”