Jeremiah 19:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaʋaka nɀimbo dzakakwirira dzaBaari, kuti ʋapisire Baari ʋanakomana ʋaʋo pamŋoto ɀiʋe ɀipiriso ɀinomupisirwa; iɀo, ɀandisina‐kuʋaraira, kana kuɀitaura, ɀandisina‐kufuŋga mumŋoyo maŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari kuti vapise vanakomana vavo mumoto sezvipiriso, kuna Bhaari, chinhu chandisina kuvarayira kana kureva, uye hachina kumbopinda mupfungwa dzangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vachivakawo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kuna Bhaari dzokupisira vanakomana vavo mumoto semipiro yokupisira kuna Bhaari yandisina kumbotema ini kana kupa somutemo uye hazvina kana kumbouya mupfungwa dzangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti vapisire Bhaari vanakomana vavo pamoto zvive zvipiriso zvinomupisirwa; izvo, zvandisina kuvaraira, kana kuzvitaura, zvandisina kufunga mumwoyo mangu.’
Shona 2009?
vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti vapisire Bhaari vanakomana vavo pamoto zvive zvipiriso zvinomupisirwa; izvo, zvandisina kuvaraira, kana kuzvitaura, zvandisina kufunga mumoyo mangu.'
Shona SUB 2002 Bible
vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti vapisire Bhaari vanakomana vavo pamoto zvive zvipiriso zvinomupisirwa; izvo, zvandisina kuvaraira, kana kuzvitaura, zvandisina kufunga mumwoyo mangu.’