Jeremiah 19:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — nɀimbo ino haicazonzi Tofeti, kana Mupata womŋanakomana waHinomi, asi Mupata woKuʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazotumidzi nzvimbo ino kuti Tofeti kana kuti Mupata waBheni Hinomi, asi kuti Mupata Wokuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, onai, zvanzi naTenzi kuchasvika mazuva okuti nzvimbo iyoyi haizombonzizve kuBisiro kana kunzi kuBani raMwanakomana wokwaHinomu. Asi kuchatonzi kuBani rokuDeurirwa ropa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha nzvimbo ino haichazonzi Tofeti, kana Mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata woKuurawa.
Shona 2009?
Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha nzvimbo ino haichazonzi Tofeti, kana Mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata woKuurawa.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha nzvimbo ino haichazonzi Tofeti, kana Mupata womwanakomana waHinomu, asi Mupata woKuurayiwa.