Jeremiah 2:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti yatoʋa ŋguʋa huru yawakavuna joko rako, nokuɗambura ɀisuŋgo ɀako; ukati: Handiɗi kuɓatira; nokuti wakafugama pacikomo cipi necipi cakakwirira napasi pomuti upi noupi mutema ucifeʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Wakavhuna joko rako kare kare uye wakadambura makashu ako; ukati, ‘Handidi kukushumirai!’ Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga, uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira, wakarara pasi pawo sechifeve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndinodaro nokuti kare kare wakatyora iwe Joko rako ukadambura zvitorobho zvako uchiti, ‘Handichakushandirai.’ Heeka, pachikomo chose chose zvacho napasi pomuti wose zvawo wakasvibira wakapfugamidzapo sepfambi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti yatova nguva huru yawakavhuna joko, nokudambura zvisungo zvako, ukati, ‘Handidi kubatira;’ nokuti wakapfugama pachikomo chipi nechipi chakakwirira napasi pomuti upi noupi mutema uchifeva.
Shona 2009?
"Nokuti yatova nguva huru yawakavhuna joko nokudambura zvisungo zvako ukati,"handidi kubatira;"nokuti wakafugama pachikomo chipi nechipi chakakwirira pasi pomuti upi noupi mutema uchifeva.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti yatova nguva huru yawakavhuna joko, nokudambura zvisungo zvako, ukati, ‘Handidi kubatira;’ nokuti wakapfugama pachikomo chipi nechipi chakakwirira napasi pomuti upi noupi mutema uchifeva.