Jeremiah 2:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uŋgareʋa seiko, uciti: Handina‐kuȿiɓiswa, handina‐kuteʋera ʋaBaari? Cerekedza nzira yako pamupata, uziʋe cawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa; handina kutevera Bhaari’? Tarisa zvawakaita mumupata; funga zvawakaita. Iwe uri ngamera yehadzi inomhanya apa nepapo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ko ungagoti sei, handina kun'ora ini, handina kutevera vanaBhaari? Tarisa uone gwara rako mumupata, uzive twawakaita. Uri tsiru renghamera rabindura risina kugadzikana rinodimuranisa nyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ungareva seiko, uchiti, ‘Handina kusvibiswa, handina kutevera vaBhaari?’ Cherekedza nzira yako pamupata, uzive chawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;
Shona 2009?
"Ungareva seiko, uchiti, `Handina kusvibiswa, handina kutevera vaBhaari?' Cherekedza nzira yako pamupata, uzive chawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;
Shona SUB 2002 Bible
“Ungareva seiko, uchiti, ‘Handina kusvibiswa, handina kutevera vaBhaari?’ Cherechedza nzira yako pamupata, uzive chawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;