Jeremiah 2:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usatendera rutsoka rwako kufamba usineshaŋgu, nehuro dzako kuʋa nenyota. Asi iwe wakati: Haɀinamaturo; kwete, nokuti ndakaɗa ʋatorwa, ndiʋo ʋandicateʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usamhanya kusvikira tsoka dzako dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri! Ndinoda vamwari vokumwe, uye ndinofanira kuvatevera.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngwarirai kuti muchasvuuka tsoka mugooma pahuro nenyota. Asi wakati iwe, ‘Hazvina basa nokuti ndinodanana navamwari vechirudzi saka changu ini kwangova kundenderedzana navo ikoko.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usatendera rutsoka rwako kufamba usina shangu, nehuro dzako kuva nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvina maturo; kwete, nokuti ndakada vatorwa, ndivo vandichatevera.’ ”
Shona 2009?
Usatendera rutsoka rwako kufamba usina shangu, nehuro dzako kuva nenyota. Asi iwe wakati, `Hazvina maturo; kwete, nokuti ndakada vatorwa, ndivo vandichatevera.' "
Shona SUB 2002 Bible
Usatendera rutsoka rwako kufamba usina shangu, nehuro dzako kuva nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvina maturo; kwete, nokuti ndakada vatorwa, ndivo vandichatevera.’ ”