Jeremiah 2:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, imi rudzi rwakaɗai! ʋonai shoko raJehova. Ko ini ndakaŋga ndiri renje kunaIsraeri here? Kana nyika yerima guru here? Ʋanhu ʋaŋgu ʋanoreʋereiko ʋaciti: Tinotekeshera heɗu, haticazoʋuyi ɀe kwamuri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Haiwa, imi vorudzi urwu, rangarirai Shoko raJehovha rinoti: “Ndanga ndiri renje kuna Israeri here kana nyika yerima guru? Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti, ‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi vechizvarwa chino ichi, chinzwai munzwe zviri kutaurwa naTenzi. Iyeni ndabva ndaita segwenga here kuvaIsiraeri? Kana kuti senyika yezarima zvayo? Ko vanhu vangu zvovotozuwa zvavo vachiti: ‘Tochiita pamadiro zvino, kwamuri hatichambokutsikazve?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haiwa, imi rudzi rwakadai! Wonai shoko raJehovha. Ko ini ndakanga ndiri renje kuna Isiraeri here? Kana nyika yerima guru here? Vanhu vangu vanorevereiko vachiti, ‘Tinotekeshera hedu, hatichazouyizve kwamuri?’
Shona 2009?
Haiwa, imwi rudzi rwakadai! Wonai shoko raJehovha. Ko ini ndakanga ndiri renje kuna Isiraeri here? Kana nyika yerima guru here? Vanhu vangu vanorevereiko vachiti, `Tinotekeshera hedu, hatichazouyizve kwamuri?'
Shona SUB 2002 Bible
Haiwa, imi rudzi rwakadai! Wonai shoko raJehovha. Ko ini ndakanga ndiri renje kuna Isiraeri here? Kana nyika yerima guru here? Vanhu vangu vanorevereiko vachiti, ‘Tinotekeshera hedu, hatichazouyizve kwamuri?’