Jeremiah 2:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe wakati: Handinemhaka; ɀirokwaɀo kutsamŋa kwake kwakadzorwa kwandiri. Tarira, ndicakutoŋga, ɀaunoti: Handina‐kutadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
unoti, ‘Handina mhosva; uye haana kunditsamwira.’ Asi ndichatema mutongo wangu pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
iwe ndopaunoti, handina mhosva, zvokundishatirirwa haachambondishatirirwa. Chinzwa, ndichakupa chirango chokukurangira muromo wako iwoyo wokuti, ‘Handina kutadzira Mwari.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro iwe wakati, ‘Handina mhaka; zvirokwazvo kutsamwa kwake kwakadzorwa kwandiri.’ Tarira, ndichakutonga, zvaunoti, ‘Handina kutadza.’
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro iwe wakati, `Handina mhaka; zvirokwazvo kutsamwa kwake kwakadzorwa kwandiri.' Tarira, ndichakutonga, zvaunoti, `Handina kutadza.'
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro iwe wakati, ‘Handina mhaka; zvirokwazvo kutsamwa kwake kwakadzorwa kwandiri.’ Tarira, ndichakutonga, zvaunoti, ‘Handina kutadza.’