Jeremiah 2:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye haʋana‐kureʋa, ʋaciti: Uripiko Jehova wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, akatifambisa murenje, munyika inamasaŋgo namakomba, munyika yakawoma neyomumvuri worufu, munyika isiŋgafambgi nomunhu acipfuʋura’po, musiŋgagari munhu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko, iye akatibudisa munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti, nomunyika yamarenje namakoronga, iyo nyika yakaoma uye yerima, nyika isina munhu anofambamo uye isina munhu anogaramo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Havana kumbobvunzawo kuti, iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti, akatitungamirira murenje, munyika yamagwenga namakoronga, munyika yakaoma, nyika yezarima, munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye havana kureva, vachiti, ‘Uripiko Jehovha wakatibudisa panyika yeIjipiti, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?’
Shona 2009?
Uye havana kureva, vachiti, `Uripiko Jehovha wakatibudisa panyika yeIjipiti, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?'
Shona SUB 2002 Bible
Uye havana kureva, vachiti, ‘Uripiko Jehovha akatibudisa panyika yeIjipiti, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?’