Jeremiah 2:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakakuȿitsai munyika ineminda yakaʋorera, kuti mudye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo; asi makati mapinda, mukaȿiɓisa nyika yaŋgu, mukaita nhaka yaŋgu cinhu cinonyaŋgadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakakupinzai munyika yakaorera kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo. Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo. Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakakusvitsai munyika ineminda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza.
Shona 2009?
Ndakakusvitsai munyika ineminda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakakusvitsai munyika ine minda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza.