Jeremiah 2:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaprista haʋana‐kuti: Jehova uripiko? Ʋaifambisa mirairo ʋakaŋga ʋasiŋgandiziʋi, ʋafudzi ʋaindiɗarikira, ʋaprofita ʋaiprofitera Baari, ʋaciteʋera ɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko?’ Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva; vatungamiriri vakandimukira. Vaprofita vakaprofita naBhaari, vachitevera zvifananidzo zvisina maturo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Tenzi ari kupi?’ Vanoona nezvomutemo havana kundiziva. Vafudzi vavanhu vakandipandukira, vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari vachitevedza zvinhu zvisina chimuko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vapristi havana kuti, ‘Jehovha uripiko?’ Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitera Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri.
Shona 2009?
Vaprista havana kuti, `Jehovha uripiko?' Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitira Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri.
Shona SUB 2002 Bible
Vapristi havana kuti, ‘Jehovha uripiko?’ Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitera Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri.