Jeremiah 20:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakanzwa makuhwa aʋazhinji, ɀinotyisa pamatiʋi ose. Pomerai, isu tigomupomera, ndiɀo ɀinotaura shamŋari dzaŋgu dzose dzinoɗikanwa neni, ʋanotarira kuparadzwa kwaŋgu; ɀimŋe ucanyeŋgerwa, tikamukunda, tikaɀitsiʋira kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinonzwa vazhinji vachizevezera vachiti, “Zvinotyisa kumativi ose! Mureverei! Ngatimureverei!” Shamwari dzangu dzose dzakarindira kutedzemuka kwangu, dzichiti, “Zvimwe achanyengererwa; ipapo tigomukunda tigozvitsiva paari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti ndiri kunzwa vazhinji vachiita kazevezeve, mativi ose zvangove zvinotyisa. “Mumhan'arirei! Ngatimumhan'arirei,” ndizvo zviri kutaura shamwari dzangu chaidzo dzose dzakangotarisira kuti pangu pandiperere, vachiti zvimwe angafuririke tikamukurira tobva tamutsividza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. “Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikanwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari.”
Shona 2009?
Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. "Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikamwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. “Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikanwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari.”