Jeremiah 20:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehova uneni semhare inotyisa; saka ʋamanikidzi ʋaŋgu ʋacagumburwa, haʋaŋgakundi; ʋacanyadziswa kwaɀo, nokuti haʋana‐kuita noʋucenjeri, nokunyadzwa kusiŋgaperi, kusiŋgazokaŋganikwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha aneni semhare ine simba; saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi. Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo; kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwikwi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi aneni somurwi wehondo anotyisa. Naizvozvo vanondionesa ndondo vachagumburwa uye havambondikunda. Vachanyadziswa zvikuru nokuti havasi kuzombobudirira. Kunyadziswa kwavo kusingaperi hakusi kuzombofa kwakakanganikwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.
Shona 2009?
Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.