Jeremiah 20:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndiciti: Handicamuraŋgariri, kana kutaura nezita rake, ipapo mumŋoyo maŋgu maʋa somŋoto unopfuta, wakapfigirwa mumafupa aŋgu; ndaneta nokutsuŋgirira, handicagoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake, kana kutaurazve muzita rake,” shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto, moto wakapfigirwa mumapfupa angu. Ndaneta nokuridzivisa; zvirokwazvo, handigoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndikati nditi, “Handichambofunga nezvake kana kutaurazve nezita rake,” mumwoyo mangu munoita somune moto unopisa wakapfigirwa mumapfupa angu, zvandikunda ini, handichazvigona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ndichiti, “Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake,” ipapo mumwoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.
Shona 2009?
Kana ndichiti, "Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake," ipapo mumoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ndichiti, “Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake,” ipapo mumwoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.