Jeremiah 21:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova: Ndakarinzira guta rino ciso caŋgu kuti ndiriitire ɀakaipa, ndirege kuriitira ɀakanaka; ricaiswa mumaʋoko amambo weBabironi, iye ucaripisa nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndafunga kuitira guta rino zvakaipa kwete zvakanaka, ndizvo zvinotaura Jehovha. Richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, uye achariparadza nomoto.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zvino ndanyatsotarisana chaizvo neguta rino kuti ndiripinze nhamo kwete kuriitira zvakanaka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi, richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi acharipisa nomoto.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndakarinzira guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.’ ”
Shona 2009?
Nokuti zvanzi naJehovha, `Ndakarinzira guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.' "
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndakaratidza guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.’ ”