Jeremiah 21:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhai imba yaDavidi — ndiɀo ɀinotaura Jehova — toŋgai ɀakarurama maŋgwanani, murwire wakaɓirwa muruʋoko rwounomumanikidza, kuti kutsamŋa kwaŋgu kurege kuɓuɗa somŋoto, kucipfuta kusina‐uŋgakudzima, nokuɗa kweɀakaipa ɀamaɓasa enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
imi imba yaDhavhidhi. Zvanzi naJehovha, “ ‘Tongai nokururamisira mangwanani ari ose, murwire akabirwa muruoko rwomumanikidzi, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda kukakupisai somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, kuchipfuta pasina angakudzima.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
imi vemba yokwaDhavhidhi! Zvanzi naTenzi: “Tongai zvine ruenzaniso achiri mangwanani, mununure waro mumaoko omunhu anoonesa vamwe ndondo; munhu anenge apambwa ndingadaro ndikaviruka nehasha somoto unopisa usina angaudzimure pamusana pezviito zvenyu zvakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu.
Shona 2009?
"Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu.