Jeremiah 21:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɗotibvunzirai ʋo kunaJehova, nokuti Nebukadrezari mambo weBabironi worwa nesu; ɀimŋe Jehova uŋgatiitira cishamiso cakafanana namaɓasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Dotibvunzirawo kuna Jehovha iye zvino nokuti Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu. Zvichida Jehovha angatiitira zvishamiso sepanguva dzakapfuura kuitira kuti uyu abve kwatiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tibvunzireiwo kuna Tenzi tinzwe kuti anoti kudii nokuti Nebhukadhireza mambo weBhabhironi ari kurwa hondo nesu. Zvimwe Tenzi angadaro akatiitira zvinoshamisa zvose zvaanosiita akaita kuti asiyane nesu aende.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.”
Shona 2009?
"Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri."
Shona SUB 2002 Bible
“Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhineza mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.”