Jeremiah 21:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaʋoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBabironi naʋaKardea ʋanokukombai kunze kwamaȿiŋgo; ndicadziʋuŋganidzira mukati meguta rino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ndava pedyo nokunangisa kwauri zvombo zvehondo zviri mumaoko ako, zvaunoshandisa kurwa namambo weBhabhironi navaBhabhironi vakakukombai kunze kwamasvingo. Uye ndichazviunganidza mukati meguta rino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Endai mundotaurira Zedhekiya kuti, zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ndichaita kuti zvombo zvehondo zvamakapakata mumaoko menyu zvamuri kurwisa nazvo mambo weBhabhironi muchirwisa vanhu vechiKaradhia vakakukombai nechokunze kwetsvingo zvikupindukirei. Ndichazviunganidza pamwechete mukati meguta rino.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhea vanokukombai kunze mukati meguta rino.
Shona 2009?
`Zvanzi naJehovha, Mwari walsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhea vanokukombai kunze mukati meguta rino,
Shona SUB 2002 Bible
‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhia vanokukombai kunze mukati meguta rino.