Jeremiah 21:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani unorambira muguta rino ucaʋurawa nomunondo nenzara nehosha; asi aninani unoɓuɗa akaenda kuʋaKardea ʋanokukombai, iye ucararama, ʋupenyu bgake ʋucaʋa kwaari cinhu caakapamba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Anenge agara muguta rino achafa nebakatwa neshangwa yenzara nedenda. Asi anenge abuda kundozviisa mumaoko avaKaridhea vakakukombai achararama uye upenyu hwake ndohwaachawana somubayiro wehondo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.
Shona 2009?
"Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.
Shona SUB 2002 Bible
“Ani naani unorambira muguta rino uchaurayiwa nomunondo nenzara nechirwere; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhia vanokukombai, iye uchararama, upenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.