Jeremiah 22:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unenhamo iye unoʋaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumsoro aciita ɀisakarurama; unoɓatisa wokwake asiŋgamupi cinhu, asiŋgamupi muɓairo wokuɓata kwake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira, anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa, asingavaripiri pakushanda kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ane nhamo munhu anovaka imba yake nokusarurama, dzimba dzake dzemunhurikidzwa achidzivaka nezvinhu zvisiri pamutemo achiita kuti mumwe amushandire pasina, asina kana chaanomutambirisa
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubayiro wokubata kwake;
Shona 2009?
Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubayiro wokubata kwake;
Shona SUB 2002 Bible
Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubairo wokubata kwake;