Jeremiah 22:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko uŋgaɓata ʋushe, ɀaunotȿaka kupfuʋura ʋamŋe nemisidari here? Ko ɓaɓa ʋako haʋana‐kudya nokunwa, ʋaciita ɀakarurama neɀakatendeka here? Ipapo ʋakagara nomufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Izvozvo zvinokuita mambo here, kuva nemisidhari yakawandawanda? Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here? Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira, saka zvose zvakamufambira zvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Heya wava kutofungawo kuti uri mambowo nhai pamusana pokukwikwidzana navamwe nezvomusidhari izvozvi izvi? Handiti baba vako vaidya nokunwa vachiita zvinhu zvine ruenzaniso zvakarurama? Saka zvinhu zvakavafambirawo zvakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokunwa, vachiita zvakarurama nezvakatendeka here?” Ipapo vakagara nomufaro.
Shona 2009?
"Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokumwa, vachiita, zvakarurama nezvakatendeka here?" Ipapo vakagara nomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
“Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokunwa, vachiita zvakarurama nezvakatendeka here?” Ipapo vakagara nomufaro.