Jeremiah 22:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro paJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda: Haʋaŋgamucemi, ʋaciti: Haiwa, munuŋuna waŋgu! Kana: Haiwa, hanɀadzi! Haʋaŋgamucemi, ʋaciti: Haiwa, ishe! Kana: Haiwa, ʋukuru bgake!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha, “Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, munun'una wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’ Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndokusaka Tenzi achitaura nezvaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo weJudha achiti: “Havasi kuzombomuchema. Vachiti, ‘Maiwe-e hama yangu!’ Kana kuti, ‘Yowe-e hanzvadzi kani!’ Havasi kuzombozviita zvokuchema vachiti, ‘Maiwe-e kani Tenzi!’ Kana kuti, ‘Changamire kani!’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, ‘Havangamuchemi,’ vachiti, ‘Haiwa, munun'una wangu!’ Kana, ‘Haiwa, hanzvadzi!’ Havangachemi, vachiti, ‘Haiwa, ishe!’ Kana, ‘Haiwa, hukuru hwake!’
Shona 2009?
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, `Havangamuchemi,' vachiti, `Haiwa, munun'una wangu!' Kana, `Haiwa, hanzvadzi!' Havangachemi, vachiti, `Haiwa, ishe!' Kana, `Haiwa, hukuru hwake!'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, ‘Havangamuchemi,’ vachiti, ‘Haiwa, munun'una wangu!’ Kana, ‘Haiwa, hanzvadzi!’ Havangachemi, vachiti, ‘Haiwa, ishe!’ Kana, ‘Haiwa, hukuru hwake!’