Jeremiah 22:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Toŋgai ɀakarurama neɀakatendeka, murwire wakaɓirwa muruʋoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, necirikadzi, regai kuʋaitira ɀisakarurama, regai kuʋaitira nesimba; ʋuye musateʋura ropa risinemhoȿa panɀimbo ino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi itai zvinhu zvine ruenzaniso, zvakarurama muchinunura munhu anenge apambwa mumaoko maanenge achimuonesa nhamo achimudzvanyirira. Uye musakanganisire kana kuitira utsinye mutorwa kana nherera kana chirikadzi kana kudeura ropa risina mhosva munzvimbo ino.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, ‘Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.’
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, `Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza;mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, ‘Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.’