Jeremiah 22:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Nyora kuti munhu uyu haanaʋana, munhu usiŋgazofari pamazuʋa ake; nokuti hakucinomurume pakati paʋana ʋake ucaʋa nomufaro, ucagara pacigaro coʋushe caDavidi, aciɓata ʋushe bgaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Nyora munhu uyu seasina mwana, munhu asingazofari pamazuva oupenyu hwake, nokuti hakuna mwana wake achafara, hakuna achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, kana kutongazve maJudha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Nyora munhu uyo somunhu asina mwana, munhu asingazofa akabudirira mumazuva ake oupenyu nokuti hapana nomumwe wechizvarwa chake achazombogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi achitongazve kwaJudha.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro, uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha.”
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro,uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha,"
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro, uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha.”