Jeremiah 22:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova pamsoro peimba yamambo waJuda: Uri Gireadi kwandiri, nomusoro weRebanoni; asi ɀirokwaɀo ndicakuita renje, namaguta asiŋgagarwi naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pomuzinda wamambo weJudha: “Kunyange wakaita seGireadhi kwandiri, wakaita somusoro weRebhanoni, zvirokwazvo ndichakuita segwenga, semaguta asingagarwi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zviri kutaura Tenzi zvinonangana nemba yamambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti: “Kwandiri ini, iwe unoyevedza senyika yokwaGireadhi kudai uye somutunhu chaiwo wakakwirira weRebhanoni asi ndichanyatsokuita gwenga zvaro, guta risina ageremo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Uri Gireadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.’
Shona 2009?
"Nokuti zvanzi naJehovha, `Uri Giriyadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.'
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Uri Giriadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.’