Jeremiah 23:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanoramba ʋaciti kunaʋanondiɀidza: Jehova wakati: Mucaʋa norugare; ʋuye kunomumŋe nomumŋe unofamba noʋukukutu bgomŋoyo wake, ʋanoti: Hakunecakaipa ciŋgakuwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza, ‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’ Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kune vanhu vanoshora shoko raTenzi vanoramba vachingovati, ‘Zvichakunakirai!’ Uye kune wosewo anenge achitevera zvomusoro wake, vanenge vachingoti, ‘Hapana chakaipa chichakuwira.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanoramba vachiti kuna vanondizvidza, Jehovha wakati, “Muchava norugare; uye kunomumwe nomumwe unofamba nohukukutu hwomwoyo wake, vanoti, ‘Hakune chakaipa chingakuwira.’
Shona 2009?
Vanoramba vachiti kuna vanondizvidza, Jehovha wakati, "Muchava norugare; uye kunomumwe nomumwe unofamba nohukukutu hwomoyo wake, vanoti, `Hakune chakaipa chingakuwira.'
Shona SUB 2002 Bible
Vanoramba vachiti kuna vanondizvidza, Jehovha wakati, “Muchava norugare; uye kuno mumwe nomumwe unofamba nohukukutu hwomwoyo wake, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chingakuwira.’