Jeremiah 23:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri, pamsoro paʋafudzi ʋanofudza ʋanhu ʋaŋgu: Makaparadzira makwai aŋgu, mukaadziŋga, mukasaatarira; tarirai, ndicakuroʋai nokuɗa kweɀakaipa ɀamaɓasa enyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kuvafudzi vanofudza vanhu vangu: “Nemhaka yokuti makaparadzira makwai angu mukaadzingira kure uye mukasava nehanya nawo, ndichaisa rushamhu pamusoro penyu nokuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Tenzi, Mwari weIsiraeri ari kutaura zvinonangana nemi vafudzi iyemi munochengeta vanhu vangu achiti, “Makamwararisa danga rehwai dzangu, mukadzidzinga mukarega kudzifudza. Chinzwai, zvino ini ndava kunangana nemi pamusana pezviito zvenyu zvakaipa ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, pamusoro pavafudzi vanofudza vanhu vangu, “Makaparadzira makwai angu, mukaadzinga, mukasaatarira; tarirai, ndichakurovai nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, pamusoro pavafudzi vanofudza vanhu vangu, "Makaparadzira makwai angu, mukaadzinga, mukasaatarira; tarirai, ndichakurovai nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, pamusoro pavafudzi vanofudza vanhu vangu, “Makaparadzira makwai angu, mukaadzinga, mukasaatarira; tarirai, ndichakurovai nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha.