Jeremiah 23:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiɀo ɀamunofanira kuti, mumŋe nomumŋe kunowokwake, nomumŋe nomumŋe kuhama yake: Jehova wakapindurei? Jehova wakataurei?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi ndizvo zvamunoramba muchitaura mumwe nomumwe wenyu kushamwari kana kuhama yake muchiti: ‘Mhinduro yaJehovha inoti kudiniko?’ kana kuti ‘Jehovha akataureiko?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mose zvenyu muchazotaurirana mumwe nomumwe mugarisani nomugarisani wake, hama nehama muchiti, ‘Nhaimi, Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndizvo zvamunofanira kuti, mumwe nomumwe kunowokwake, nomumwe nomumwe kuhama yake, ‘Jehovha wakapindurei? Jehovha wakataurei?’
Shona 2009?
Ndizvo zvamunofanira kuti, mumwe nomumwe kunowokwake, nomumwe nomumwe kuhama yake, `Jehovha wakapindurei? Jehovha wakataurei?'
Shona SUB 2002 Bible
Ndizvo zvamunofanira kuti, mumwe nomumwe kuno wokwake, nomumwe nomumwe kuhama yake, ‘Jehovha wakapindurei? Jehovha wakataurei?’