Jeremiah 24:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Nebukadrezari mambo weBabironi wakati atapa Jekonia mŋanakomana waJehoiakimi, mambo waJuda, namacinda aJuda, pamŋe cete naʋaʋezi naʋapfuri, paJerusarema, akaʋaisa Babironi, Jehova akandiratidza, ndikaʋona tswanda mbiri dzinamaʋonde dzakaŋga dzakaiswa pamberi petembere yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokutapwa kwaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha pamwe chete namachinda, navavezi, navapfuri vesimbi veJudha vachibviswa kuJerusarema vachiendeswa kuBhabhironi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Jehovha akandiratidza tswanda mbiri dzine maonde dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mokunge Nebhukadhireza mambo weBhabhironi atapa muJerusaremu Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha pamwe namachinda okwaJudha nenyanzvi dzamabasa amaoko nemhizha dzezvoutare akavaendesa kuBhabhironi, Tenzi akandionesa chiratidzo chakadai izvi. Ndakaona tswanda mbiri dzemaonde dzakagadzikirwa pamberi peTemberi yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, namachinda aJudha, pamwechete navavezi navapfuri, paJerusaremu, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
Shona 2009?
Zvino Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, namachinda aJudha, pamwechete navavezi navapfuri, paJerusaremu, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Nebhukadhineza mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, namachinda aJudha, pamwechete navavezi navapfuri, paJerusaremu, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.