Jeremiah 24:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imŋe tswanda yakaŋga inamaʋonde akanaka kwaɀo, samaʋonde anotaŋga kuibva; asi imŋe tswanda yakaŋga inamaʋonde akaipa kwaɀo, asiŋgabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imwe tswanda yaiva namaonde akanaka kwazvo, akaita seaya anotanga kuibva; imwe yacho yaive namaonde akaipa chose, zvokuti akanga asingagoni kudyiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imwe tswanda yacho yakanga ine maonde akanakisisa kwazvo akaita samaonde aye anotangisisa kuibva. Asi imwe tswanda yacho yakanga ina maonde akaipisisa kwazvo, akanga akaipa zvokuti akanga asingadyiki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga inamaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
Shona 2009?
Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga inamaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
Shona SUB 2002 Bible
Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga ina maonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.