Jeremiah 24:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kwandiri: Unoʋoneiko Jeremia? Ini ndikati: Maʋonde; maʋonde akanaka, akanaka kwaɀo, asi akaipa, akaipa kwaɀo, asiŋgabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akandibvunza achiti, “Uri kuoneiko Jeremia?” Ini ndakapindura ndikati, “Maonde. Akanaka acho, akanaka kwazvo, asi akaipa acho akaipa zvokuti haangadyiwi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akanditi, “Nhai Jeremiya chii chauri kuona?” Ini ndikati, “Maonde! Maonde akanaka, akanakisisa kwazvo! Uye namaonde akaipa akaipisisa kwazvo! Asingadyiki akaipisisa zvokuti akanga asingadyiki.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Unowoneiko Jeremiya?” Ini ndikati, “Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, asi akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.”
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Unowoneiko Jeremiya?" Ini ndikati, "Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, asi akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Unowoneiko Jeremiya?” Ini ndikati, “Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, asi akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.”