Jeremiah 24:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Seɀakaita maʋonde awa akanaka, ndiɀo ɀandicaraŋgarira nomŋoyo wakanaka ʋatapxa ʋaJuda, ʋandakatuma ʋabve panyika ino ʋaende kunyika yaʋaKardea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri, ‘Sezvakaita maonde aya akanaka, saizvozvo ndicharangarira zvakanaka vatapwa vakabva kuJudha vandakatuma kubva panzvimbo ino ndichivaendesa kunyika yeBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri sezvakangoita maonde aya akanaka, ndizvo zvandichangoita kuona kwandichaita nhapwa dzokwaJudha dzandakabvisisa munzvimbo ino dzikaendwa nadzo kunyika yavaKaridhea ndichavaona savanhu kwavo vakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomwoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKaradhea.
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKaradhea.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomwoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKaradhia.