Jeremiah 24:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye, seɀakaita maʋonde akaipa, asiŋgabviri kudyiwa nokuipa kwawo, ɀirokwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndiɀo ɀandicaita Zedekia mambo waJuda, namacinda ake, naʋakasara ʋeJerusarema, ʋakasara panyika ino, naʋagere panyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Asi sezvakaita maonde akaipa, iwo akaipa kwazvo zvokusagona kudyiwa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘saizvozvo ndichaitira Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake, navaya vakasara muJerusarema, kunyange vakasara munyika ino kana vagere muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi zvanzi naTenzi, ‘Sezvakangoita maonde akaipa zvokuti haadyiki, ndizvo zvandichaitawo kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha namachinda ake nechitsama chavanhu vachasara munyika muno navanhu vagere kunyika yeIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uye, sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichaita Zedhekia mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusaremu, vakasara panyika ino, navagere panyika yeIjipiti.
Shona 2009?
"Uye, sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichaita Zedhekia mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusaremu, vakasara panyika ino, navagere panyika yeljipiti.
Shona SUB 2002 Bible
“Uye, sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichaita Zedhekiya mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusaremu, vakasara panyika ino, navagere panyika yeIjipiti.