Jeremiah 25:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana makore anamakumi manomŋe apera — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaroʋa mambo weBabironi, norudzi urwo pamsoro peɀakaipa ɀaʋo, nenyika yaʋaKardea; ndicaiita matoŋgo nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi kana makore makumi manomwe apera, ndicharova mambo weBhabhironi norudzi rwake, nenyika yavaBhabhironi, pamusoro pemhosva yavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichaita dongo nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mokunge kwapera makore makumi manomwe ndichazoranga mambo weBhabhironi nevechirudzi ivavo nenyika yevaKaridhea pamusana pouipi hwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nyika yacho ndichiiparadza zvachose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi.
Shona 2009?
"Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhia; ndichaiita matongo nokusingaperi.