Jeremiah 25:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova Mŋari waIsraeri, wakati kwandiri: Tora mukombe uyu wewaini yokutsamŋa kwaŋgu paruʋoko rwaŋgu, unwise’po marudzi ose andinokutumira kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kwandiri: “Tora kubva muruoko rwangu mukombe uyu wakazara newaini yokutsamwa kwangu unwise ndudzi dzose dzandinokutuma kwadziri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nechikonzero ichochi Tenzi Mwari weIsiraeri akanditi, “Tambira mukombe uyu uri muruoko rwangu wewaini yehasha dzangu, ugoita kuti marudzi ose kwandinenge ndakutuma aunwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, “Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, unwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari.
Shona 2009?
Nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, "Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, umwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, “Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, unwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari.