Jeremiah 25:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Inwai, muɓatwe, murutse, muwe, murege kuzosimuka ɀe, nokuɗa kwomunondo wandicatuma pakati penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Inwai mudhakwe, murutse, muwe, uye murege kuzomukazve nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wozobva wovataurira kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, “Inwai muraradze mugorutsa muputsike musingazomukazve pamusana pebakatwa randava kutuma pakati penyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iwe uti kwavari, “Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Inwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’
Shona 2009?
Zvino iwe uti kwavari, "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Imwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda komunondo wandichatuma pakati penyu.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iwe uti kwavari, “Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Inwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’