Jeremiah 25:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai ndinotaŋga kuitira ɀakaipa guta rakatumidzwa nezita raŋgu; ɀino imi muŋgaregwa cose musiŋgarobgi here? Hamuŋgaregwi musiŋgarobgi; nokuti ndicaɗana munondo pamsoro paʋose ʋagere panyika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai, ndava kutanga kuuyisa njodzi pamusoro peguta rinodanwa neZita rangu, ko, imi mungarega kurangwa here? Hamungaregi kurangwa nokuti ndava kudana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti chionai, ndava kutotangisa kumutsira nhamo guta rinodaidzwa nezita rangu. Zvino imi ndipo pamungarege kurangwa here? Zvokurangwa hamumborega kurangwa nokuti ndiri kudaidzira bakatwa pavagari vose zvavo vepasi pano ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona 2009?
Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imwi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.