Jeremiah 25:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubva pagore regumi namatatu raJosia mŋanakomana waAmoni, mambo waʋaJuda, kuȿikira pazuʋa rino, makore awa anamakumi maʋiri namatatu, shoko raJehova raiʋuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndicimuka maŋgwanani, ndicitaura; asi imi hamuna‐kuterera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwamakore makumi maviri namatatu, kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha kusvikira zuva ranhasi, shoko raJehovha ranga richiuya kwandiri uye ini ndikataura ndataurazve kwamuri, asi hamuna kuteerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kwamakore makumi maviri namatatu, kubvira pagore regumi nechitatu rokutonga kwaJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha kusvikira pari nhasi, shoko raTenzi ranga richingouya kwandiri ini ndichirambawo ndichikutaurirai, asi imi hamuna kuteerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imi hamuna kuterera.
Shona 2009?
"Kubva pagore regumi namatatu raJosiya mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imwi hamuna kuteerera.
Shona SUB 2002 Bible
“Kubva pagore regumi namatatu raJosiya mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore aya ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imi hamuna kuteerera.