Jeremiah 25:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro ʋakaʋurawa naJehova ʋacaʋa’po kubva kunomumŋe mugumo wenyika kuȿikira kunomumŋe mugumo wenyika; haʋaŋgacemŋi, kana kuʋuŋganidzwa, kana kuʋigwa; ʋacaʋa mupfudze pasi pose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nenguva iyo vakaurayiwa naJehovha vachava pose pose vachibva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe. Havangachemwi kana kuunganidzwa, kana kuvigwa, asi vachava somupfudze uri pamusoro penyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva iroro vanenge vaurayiwa naTenzi vachati rakata kubvira kwainovambira nyika kusvikira kwainopererawo. Havachazochemwa kana kuunganidzwa kana kuvigwa. Vachava ndove zvayo pamusoro pevhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.
Shona 2009?
Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva iro vakaurayiwa naJehovha vachavapo kubva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.