Jeremiah 25:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wuŋgudzai, imi ʋafudzi, muceme; ʋumburukai mumaɗota, imi ʋakuru ʋamapoka; nokuti mazuʋa okuʋurawa kwenyu aȿika kwaɀo, nookuparadzirwa kwenyu, mucawira pasi somudziyo unoɗikanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chemai uye muungudze, imi vafudzi; umburukai muguruva, imi vatungamiriri veboka. Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika; muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ungudzai imi vafudzi mucheme muumburuke mudota, imi madzichangamire amatanga nokuti mazuva okuurayiwa nokupararira kwenyu asvika, uye imi muchati mwarara somudziyo wakanakisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wungudzai, imi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikanwa.
Shona 2009?
Wungudzai, imwi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imwi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Wungudzai, imi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurayiwa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikanwa.