Jeremiah 25:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaciti: Dzokai ɀino mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, napaɀakaipa ɀamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehova, imi namadziɓaɓa enyu, kubva kare nakare kuȿikira pakusiŋgaperi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakati, “Dzokai zvino mumwe nomumwe wenyu, kubva panzira dzenyu dzakaipa nepamabasa enyu akaipa, mugogara munyika yamakapiwa naJehovha imi namadzibaba enyu nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achiti, ‘Chitodzokai izvozvi munhu wose asiyane nenzira yake yakaipa netwakaipa twaanobata mugogara munyika iyi yamakapiwa imi namadzibaba enyu kubvira kare kare nokusingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vachiti, ‘Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi;
Shona 2009?
vachiti, `Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi,
Shona SUB 2002 Bible
vachiti, ‘Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi;