Jeremiah 26:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaprista naʋaprofita ʋakataura namacinda ʋuye naʋanhu ʋose, ʋaciti: Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaprofitera guta rino ɀakaipa, seɀamakanzwa nenzeʋe dzenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vaprista navaprofita vakati kumachinda nokuvanhu vose, “Munhu uyu anofanira kutongerwa rufu nokuti akaprofita zvakaipa pamusoro peguta rino. Mazvinzwira imi nenzeve dzenyu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi navaporofita vakataurira machinda navanhu vose kuti, “Murume uyu anofanira kutongerwa rufu nokuti aporofita achinangana neguta rino iri sezvamazvinzwirawo imi nenzeve dzenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vapristi navaporofita vakataura namachinda uye navanhu vose, vachiti, “Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaporofitera guta rino zvakaipa, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu.”
Shona 2009?
Ipapo vaprista navaporofita vakataura namachinda uye navanhu vose, vachiti, "Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaporofitira guta rino zvakaipa, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vapristi navaporofita vakataura namachinda uye navanhu vose, vachiti, “Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaporofitera guta rino zvakaipa, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu.”