Jeremiah 26:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi muziʋe ɀirokwaɀo, kuti kana mukandiʋuraya ini, mucaʋuyisa mhoȿa yeropa risinemhaka pamsoro penyu, napamsoro peguta rino, napamsoro paʋagere’mo; nokuti ɀirokwaɀo Jehova wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeʋe dzenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro hazvo, zivai kuti, kana mukandiuraya muchamisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu uye napamusoro peguta rino, nepamusoro pevose vanogara mariri, nokuti zvirokwazvo Jehovha akandituma kwamuri kuti nditaure mashoko ose aya munzeve dzenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi munofanira kunyatsoziva kuti kana mukandiuraya muchapfukirwa neropa risina mhaka, imi, neguta rino navagari varo nokuti zvechokwadi Tenzi akandituma kwamuri kuzotaura mashoko ose iwaya muchizvinzwa nenzeve dzenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi muzive zvirokwazvo, kuti kana mukandiuraya ini, muchauyisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu, napamusoro peguta rino, napamusoro pavageremo; nokuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeve dzenyu.”
Shona 2009?
Asi muzive zvirokwazvo, kuti kana mukandiuraya ini, muchauyisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu, napamusoro peguta rino, napamusoro pavageremo; nokuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeve dzenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Asi muzive zvirokwazvo, kuti kana mukandiuraya ini, muchauyisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu, napamusoro peguta rino, napamusoro pavageremo; nokuti zvirokwazvo Jehovha akandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeve dzenyu.”