Jeremiah 26:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo macinda naʋanhu ʋose ʋakati kuʋaprista naʋaprofita: Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehova Mŋari weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvaprista nokuvaprofita, “Munhu uyu haafaniri kutongerwa rufu! Ataura kwatiri muzita raJehovha Mwari wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda navanhu vose vakabva vati kuvapristi nokuvaporofita, “Murume uyu haafanire kutongerwa rufu nokuti ataura kwatiri muzita raTenzi, Mwari wedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvapristi navaporofita, “Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehovha Mwari wedu.”
Shona 2009?
Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvaprista navaporofita, "Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehovha Mwari wedu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvapristi navaporofita, “Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehovha Mwari wedu.”