Jeremiah 26:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko Hezekia mambo waJuda, naʋaJuda ʋose ʋakamuʋuraya here? Ko haana‐kutya Jehova, akanyeŋgetera Jehova, Jehova akaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga areʋa pamsoro paʋo here? Saiɀoɀo tiŋgatadzira mŋeya yeɗu kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ko, Hezekia mambo weJudha kana mumwewo zvake weJudha ndiye akamuuraya here? Ko, Hezekia haana kutya Jehovha akatsvaka nyasha dzake here? Uye Jehovha haana kuzvidemba, akarega kuuyisa njodzi yaakanga ataura pamusoro pavo here? Tava kuda kuzviunzira dambudziko rakaipisisa pamusoro pedu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko Hezekiya mambo wokwaJudha neJudha yose vakamuuraya here? Haana here kutya Tenzi akateterera kuti Tenzi amuitire tsiye nyoro? Uye Tenzi haana here kuzodzora mwoyo orega kuita kwaari zvakaipa zvaakanga avazivisa? Asi isu tava kutozvidenhera nhamo huru!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ko Hezekia mambo waJudha, navaJudha vose vakamuuraya here? Ko haana kutya Jehovha, akanyengetera Jehovha, Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga areva pamusoro pavo here? Saizvozvo tingatadzira mweya yedu kwazvo.”
Shona 2009?
"Ko Hezekia mambo waJudha, navaJudha vose vakamuuraya here? Ko haana kutya Jehovha, akanyengetera Jehovha, Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga areva pamusoro pavo here? Saizvozvo tingatadzira mweya yedu kwazvo."
Shona SUB 2002 Bible
“Ko Hezekiya mambo waJudha, navaJudha vose vakamuuraya here? Ko haana kutya Jehovha, akanyengetera Jehovha, Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga areva pamusoro pavo here? Saizvozvo tingatadzira mweya yedu kwazvo.”