Jeremiah 26:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Mira paruʋazhe rweimba yaJehova, uʋudze maguta ose aJuda, anoʋuya kuzonamata mumba maJehova, mashoko ose andinokuraira kuti uʋaʋudze; usatapudza kunyaŋge neshoko rimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha: Mira paruvazhe rweimba yaJehovha utaure kuvanhu vose vomumaguta eJudha vanouya kuzonamata muimba yaJehovha. Uvaudze zvose zvandinokurayira, usadarikira kana shoko rimwe chete,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi mira muruvanze rwemba yaTenzi utaurire vamaguta ose zvawo okwaJudha vanouya kuzonamata mumba yaTenzi mashoko ose andinokuudza kuti uvataurire, rega kuva neshoko rimwe zvaro raunovanza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, ‘Mira paruvazhe rweimba yaJehovha, uudze maguta ose aJudha, anouya kuzonamata mumba maJehovha, mashoko ose andinokuraira kuti uvaudze; usatapudza kunyange neshoko rimwe.
Shona 2009?
" Zvanzi naJehovha, `Mira paruvazhe rweimba yaJehovha, uudze maguta ose aJudha, anouya kuzonamata mumba maJehovha, mashoko ose andinokuraira kuti uvaudze; usatapudza kunyange neshoko rimwe.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, ‘Mira paruvazhe rweimba yaJehovha, uudze maguta ose aJudha, anouya kuzonamata mumba maJehovha, mashoko ose andinokuraira kuti uvaudze; usatapudza kunyangwe neshoko rimwe.