Jeremiah 26:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe, kwakaŋga kunomunhu waiprofita nezita raJehova, wainzi Uria, mŋanakomana waShemaia weKiriati‐jearimi; iye wakaprofita ɀakaipa pamsoro peguta rino nenyika ino ɀakafanana namashoko ose aJeremia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
(Zvino Uria mwanakomana waShemaya aibva kuKiriati Tearimi ndiye mumwe murume akaprofita muzita raJehovha; akaprofita zvinhu zvimwe chetezvo pamusoro peguta rino nenyika ino sezvakangoitwawo naJeremia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kune mumwe murume akaporofita muzita raTenzi, ainzi Uriya mwanakomana wokwaShemiya anobva kuKiraitijearimu. Iyeyo akaporofitawo achinangana neguta iro rino iri nenyika ino namazwi akafanana neari kutaurwa naJeremiya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyezve, kwakanga kuno munhu waiporofita nezita raJehovha, wainzi Uriya, mwanakomana waShemaia weKiriatijearimi; iye wakaporofita zvakaipa pamusoro peguta rino nenyika ino zvakafanana namashoko ose aJeremiya.
Shona 2009?
Uyezve, kwakanga kuno munhu waiporofita nezita raJehovha, wainzi Uriya, mwanakomana waShemaia weKiriati-jearimi; iye wakaporofita zvakaipa pamusoro peguta rino nenyika ino zvakafanana namashoko ose aJeremiya.
Shona SUB 2002 Bible
Uyezve, kwakanga kuno munhu waiporofita nezita raJehovha, wainzi Uriya, mwanakomana waShemaia weKiriatijearimi; iye wakaporofita zvakaipa pamusoro peguta rino nenyika ino zvakafanana namashoko ose aJeremiya.